Zvapupu zvekutumwa kwaPaul Mwazha weAfrica. Timothy mwana waEston Mucha | Kubatsirwa kwevomuterera

Sdílet
Vložit
  • čas přidán 26. 06. 2024
  • The African Apostolic Church
    (VaApostora veAfrica)
    No 8 Jefferson road
    Hatfield Harare
    KUBATSIRWA KWEVOMUTERERA.
    1. Mumwe musi ndakaona Mufundisi J.Chakawa, asvika paChirasauta achiperekedza Austen Mucha nomukadzi wake.Mufundisi Chakawa wakatanga kuti, ‘Ndauya nomurume uyu nomukadzi wake.Vane dambudziko guru kwazvo.Vakafirwa nevana vashanu vese.Ipapa pavari Havana mwana kana mumwe chete kwete.Vano muterera.Vanongoti vakazvara mwana ofa vazvara mwana ofa.
    2. Ndakati kwavari, ‘Ko, zvino mati zvinzii?
    Vakati, ‘A,munhu waMwari,ndauya navo kuti muvakumbirire kuna Mwari wenyu kuti vabereke vana vanorarama.Ndakati, ‘Zvakanaka Mufundisi,movata pano nhasi,mangwa tokwira mugomo,muChirasauta,kunovachemera kuna Mwari,muzita raJesu Ishe wedu.
    3.Takanamata pamba pedu mauro ndokuvata.Kwaedza takareurura,ndokukwira pamusoro pegomo reChirasauta.Takanamatapo,Mweya Mutsvene akati kwandiri.Vataurire kuti chichemo chavo chadavirwa naMwari.Muterera wadzimwa nhasi.Vachabereka vana vanorarama.Wokutanga achange ari musikana,zita rake richanzi Tsitsi nokuti vanzwirwa tsitsi naMwari.
    4. Nokudaro munamato wakapera, shurekokuisa maoko pamusoro, muzita raIshe Jesu.Takaburuka gomo, vachimva vaenda kumusha kwavo nomufaro unobva mutariro yokuti vachava navana.
    5.Vakanogara mudzimai achimva anonga mimba,ndokubereka mwanasikana,uyo wavakatumidza zita rinonzi Tsitsi,sezvavakanga vaudzwa naMweya Mutsvene.Vakarumura Tsitsi,mudzimai ndokunongazve mimba,vakabereka mwanakoma anonzi Shephard.
    6. Uyu arumurwa vakaberekazve mumwe mukomana ane zita rinonzi Timoti, kusvikira vaita vana vasere vose pamwe chete.Vana ava vose vapenyu kusvikira nhasi.
    7. Uyu Tsitsi wakaroorwa, watovawo navana vake.Mukomana mukuru saizvozvo wava nomukadzi navana panguva iyoyi yandiri kunyora izvi.
    8. Saka Austen Mucha nomukadzi wake, ndivo vatendi vakatanga kudzimirwa muterera nezita raJesu, muSangano raVapostora VeAfrica.Naizvozvo nhasi, vose vari kuuya nezvikumbiro zvorudzi irworwu, vari kubatsirwa naMweya Mutsvene.
    -MichaelPhotography
    #Archives.
  • Hudba

Komentáře •